2 Samuel 13:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ishe waŋgu mambo ŋgaarege kuɀidya mŋoyo pamsoro pecinhu ici, aciti ʋanakomana ʋose ʋamambo ʋafa, nokuti Amnoni woga ndiye wafa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo zvino Ishe wangu mambo ngaarege kuzvidya mwoyo neshoko rokuti vanakomana vose vamambo vafa. Amunoni oga ndiye afa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka zvino, mambo changamire, regai zvenyu kuzvidya mwoyo muchifunga kuti vanakomana venyu mambo vose vafa, nokuti Amunoni ndiye chete afa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ishe wangu mambo ngaarege kuzvidya mwoyo pamusoro pechinhu ichi, achiti vanakomana vose vamambo vafa, nokuti Amoni woga ndiye wafa.”
Shona 2009?
Zvino ishe wangu mambo ngaarege kuzvidya moyo pamusoro pechinhu ichi, achiti vanakomana vose vamambo vafa, nokuti Amunoni woga ndiye wafa."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ishe wangu mambo ngaarege kuzvidya mwoyo pamusoro pechinhu ichi, achiti vanakomana vose vamambo vafa, nokuti Amoni woga ndiye wafa.”