2 Samuel 13:39 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋoyo wamambo Davidi ukaɗa kwaɀo kuenda kunaAbsaromi, nokuti wakaŋga anyaradzwa pamsoro paAmnoni, aciti wafa hake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye mweya wamambo wakashuva kwazvo kuenda kuna Abhusaromu, nokuti zvino akanga anyaradzwa pamusoro porufu rwaAmunoni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo Dhavhidhi akava nechisuwo chokuona Abhusharomu nokuti shungu yake yokuchema Amunoni yakanga zvino yapera nokuti akanga azvionawo kuti kufa kwaakatoita uku.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mwoyo wamambo Dhavhidhi ukada kwazvo kuenda kuna Abhusaromu, nokuti wakanga anyaradzwa pamusoro paAmoni, achiti wafa hake.
Shona 2009?
moyo wamambo Dhavhidhi ukada kwazvo kuenda kuna Abhusaromu, nokuti wakanga anyaradzwa pamusoro paAmunoni, achiti wafa hake.
Shona SUB 2002 Bible
Mwoyo wamambo Dhavhidhi ukada kwazvo kuenda kuna Abhusaromu, nokuti wakanga anyaradzwa pamusoro paAmoni, achiti wafa hake.