2 Samuel 13:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akati kwaari: Nhandi, mŋanakomana wamambo, wakawondereiko kuɗai mazuʋa ose? Hauŋgandiʋudzi here? Amnoni akati kwaari: Ndinoɗa Tamari, hanɀadzi yomunuŋuna waŋgu Absaromi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akabvunza Amunoni akati, “Seiko, iwe mwanakomana wamambo, uchipunyaira mangwanani oga oga? Haungandiudzewo here?” Amunoni akati kwaari, “Ndinoda Tamari, hanzvadzi yomunun'una wangu Abhusaromu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akati kuna Amunoni, “Mwana wamambo kudai unosuruvarirei mangwanani oga oga? Haundiudzewo here?” Amunoni akati kwaari, “Mwoyo wangu uri pana Tamari, hanzvadzi yomukoma wangu Abhusharomu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati kwaari, “Nhandi, mwanakomana wamambo, wakawondereiko kudai mazuva ose? Haungandiudzi here?” Amoni akati kwaari, “Ndinoda Tamari, hanzvadzi yomunun’una wangu Abhusaromu.”
Shona 2009?
Iye akati kwaari, "Nhandi, mwanakomana wamambo, wakawondereiko kudai mazuva ose? Haungandiudzi here?" Amunoni akati kwaari, "Ndinoda Tamari, hanzvadzi yomunun'una wangu Abhusaromu."
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati kwaari, “Nhandi, mwanakomana wamambo, wakawondereiko kudai mazuva ose? Haungandiudzi here?” Amoni akati kwaari, “Ndinoda Tamari, hanzvadzi yomunun'una wangu Abhusaromu.”