2 Samuel 13:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jonadabi akati kwaari: Ʋata panhoʋo dzako, uɀiite somunhu unorwara; ɀino kana ɓaɓa ʋako ʋakaȿika kuzokuʋona, uti kwaʋari: Ndinokumbira kuti hanɀadzi yaŋgu Tamari aʋuye, andipe ɀokudya, ndidye, agadzire ɀokudya pamberi paŋgu, ndiɀiʋone, ndiɀidye pamaʋoko ake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jonadhabhu akati, “Enda unorara unyepedzere kurwara. Zvino kana baba vako vauya kuzokuona, uti kwavari, ‘Ndinokumbira kuti hanzvadzi yangu Tamari auye andipe zvokudya. Ndinoda kuti agadzire zvokudya ini ndichiona kuti ndimuone uye ipapo ndigodya zvichibva mumaoko ake.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jonadhabhu akamurunya kuti, “Enda pamubhedha wako urare unge munhu arwara. Kana baba vako vazokutaurira woti kwavari, madii kuti hanzvadzi yangu Tamari auye kuzondipawo zvokudya, andibikirewo zvokudya ndiripo ndichiona, ndidye iye akandibatira.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jonadhabhu akati kwaari, “Vata panhoo dzako, uzviite somunhu unorwara; zvino kana baba vako vakasvika kuzokuona, uti kwavari, ‘Ndinokumbira kuti hanzvadzi yangu Tamari auye, andipe zvokudya, ndidye, agadzire zvokudya pamberi pangu, ndizviwone, ndizvidye pamaoko ake.’ ”
Shona 2009?
Jonadhabhu akati kwaari, "Vata panhovo dzako, uzviite somunhu unorwara; zvino kana baba vako vakasvika kuzokuona, uti kwavari, `Ndinokumbira kuti hanzvadzi yangu Tamari auye, andipe zvokudya, ndidye, agadzire zvokudya pamberi pangu, ndizviwone, ndizvidye pamaoko ake.' "
Shona SUB 2002 Bible
Jonadhabhu akati kwaari, “Vata panhoo dzako, uzviite somunhu unorwara; zvino kana baba vako vakasvika kuzokuona, uti kwavari, ‘Ndinokumbira kuti hanzvadzi yangu Tamari auye, andipe zvokudya, ndidye, agadzire zvokudya pamberi pangu, ndizviwone, ndizvidye pamaoko ake.’ ”