2 Samuel 13:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo Amnoni akaʋata pasi, akaɀiita somunhu unorwara; ɀino mambo wakati aciȿika kuzomuʋona, Amnoni akati kunamambo: Ndinokumbira kuti Tamari, hanɀadzi yaŋgu aʋuye, andiɓikire ɀiŋgwa ɀiʋiri ndiciɀiʋona, kuti ndidye pamaʋoko ake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Amunoni akavata pasi akanyepedzera kurwara. Zvino mambo paakauya kuzomuona, Amunoni akati kwaari, “Ndinokumbira kuti Tamari hanzvadzi yangu auye andibikire chingwa chakaisvonaka ndichiona, kuti ndigodya zvichibva mumaoko ake.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Amunoni akandorara akanyepera kurwara. Pakauya mambo kuzomumaira, Amunoni akati kwaari, “Madii kuti hanzvadzi yangu Tamari auye kuzondibikira zvingwa zviviri ndichiona, ndidye akandibatira.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo Amoni akavata pasi, akazviita somunhu unorwara; zvino mambo wakati achisvika kuzomuona, Amoni akati kuna mambo, “Ndinokumbira kuti Tamari, hanzvadzi yangu auye, andibikire zvingwa zviviri ndichizviona, kuti ndidye pamaoko ake.”
Shona 2009?
Naizvozvo Amunoni akavata pasi, akazviita somunhu unorwara; zvino mambo wakati achisvika kuzomuona, Amunoni akati kuna mambo, "Ndinokumbira kuti Tamari, hanzvadzi yangu auye, andibikire zvingwa zviviri ndichizviona, kuti ndidye pamaoko ake."
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo Amoni akavata pasi, akazviita somunhu unorwara; zvino mambo wakati achisvika kuzomuona, Amoni akati kuna mambo, “Ndinokumbira kuti Tamari, hanzvadzi yangu auye, andibikire zvingwa zviviri ndichizviona, kuti ndidye pamaoko ake.”