2 Samuel 13:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo Tamari akaenda kumba kwehanɀadzi yake Amnoni; iye akaŋga aʋete pasi. Akatora mukanyiwa, akaukanya, akaʋumba ɀiŋgwa aciɀiʋona, akaɓika ɀiŋgwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Tamari akaenda kumba kwaAmunoni hanzvadzi yake, uyo akanga akarara pasi. Akatora mukanyiwa, akakanya, akaumba chingwa uye akachibika iye achiona.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tamari akaenda kumba kwehanzvadzi yake Amunoni kuya kwaakanga ari, arere. Akakanya mukanyiwa akaumba zvingwa iye achiona akabva abika zvingwa izvi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo Tamari akaenda kumba kwehanzvadzi yake Amoni; iye akanga avete pasi. Akatora mukanyiwa, akaukanya, akaumba zvingwa achizviona, akabika zvingwa.
Shona 2009?
Naizvozvo Tamari akaenda kumba kwehanzvadzi yake Amunoni; iye akanga avete pasi. Akatora mukanyiwa, akaukanya, akaumba zvingwa achizviona, akabika zvingwa.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo Tamari akaenda kumba kwehanzvadzi yake Amoni; iye akanga avete pasi. Akatora mukanyiwa, akaukanya, akaumba zvingwa achizviona, akabika zvingwa.