2 Samuel 13:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akatora gaŋgo, akaɀiɗurura pamberi pake; asi iye wakaramba kudya. Amnoni akati: Ʋanhu ʋose ŋgaʋaɓuɗe kwandiri. Ʋanhu ʋose ʋakaɓuɗa kwaari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akatora pani ndokumupa chingwa, asi iye akaramba kudya. Amunoni akati, “Vanhu vose ngavabude muno.” Saka vanhu vose vakabuda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tamari akatora pani akamuperekera chingwa asi akaramba kudya. Amunoni akati, “Vamwe vose ngavabude muno mandiri!” Saizvozvowo munhu wose akabudamo maaiva.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akatora gango, akazvidurura pamberi pake; asi iye wakaramba kudya. Amoni akati, “Vanhu vose ngavabude kwandiri.” Vanhu vose vakabuda kwaari.
Shona 2009?
Akatora gango, akazvidurura pamberi pake; asi iye wakaramba kudya. Amunoni akati, "Vanhu vose ngavabude kwandiri." Vanhu vose vakabuda kwaari.
Shona SUB 2002 Bible
Akatora gango, akazvidurura pamberi pake; asi iye wakaramba kudya. Amoni akati, “Vanhu vose ngavabude kwandiri.” Vanhu vose vakabuda kwaari.