2 Samuel 14:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo iye akati: Mambo ŋgaaraŋgarire Jehova Mŋari wenyu, kuti mutsiʋi weropa arege kuramba aciparadza, ʋarege kuzoparadza mŋanakomana waŋgu. Iye akati: NaJehova mupenyu, ruvudzi rumŋe rwomŋanakomana wako haruŋgawiri pasi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye akati, “Naizvozvo mambo ngaataure naIshe Mwari wake kuti mutsivi weropa arege kuramba achiparadza, kuti mwanakomana wangu arege kuparadzwa.” Mambo akati, “NaJehovha mupenyu, hapana ruvhudzi rumwe rwomwanakomana wako ruchawira pasi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akati, “Ndapota zvangu, dai mambo mukapika zvenyu naTenzi, Mwari wenyu muti mutsividzi weropa arege kunge achauraya munhu, mwanakomana wangu arege kuparara.” Iye ndokuti, “NaTenzi chaiye mupenyu, hakuna kana ruvhudzi zvarwo rwomwana wako ruchadonhera pasi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo iye akati, “Mambo ngaarangarire Jehovha Mwari wenyu, kuti mutsivi weropa arege kuramba achiparadza, varege kuzoparadza mwanakomana wangu.” Iye akati, “NaJehovha mupenyu, ruvhudzi rumwe rwomwanakomana wako harungawiri pasi.”
Shona 2009?
Ipapo iye akati, "Mambo ngaarangarire Jehovha Mwari wenyu, kuti mutsivi weropa arege kuramba achiparadza, varege kuzoparadza mwanakomana wangu." Iye akati, "NaJehovha mupenyu, ruvhudzi rumwe rwomwanakomana wako harungawiri pasi."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo iye akati, “Mambo ngaarangarire Jehovha Mwari wenyu, kuti mutsivi weropa arege kuramba achiparadza, varege kuzoparadza mwanakomana wangu.” Iye akati, “NaJehovha mupenyu, ruvhudzi rumwe rwomwanakomana wako harungawiri pasi.”