2 Samuel 14:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mukadzi akati: Ɀino makaraŋgarireiko kuitira ʋanhu ʋaIsraeri cinhu cakaɗai? Nokuti pakutaura kwenyu shoko rakaɗai, mambo wafanana nomunhu unemhoȿa, nokuti mambo haadzoseri ɀe kumusha kwake mŋanakomana wake waakadziŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mukadzi uya ndokuti, “Zvino seiko makarongera vanhu vaMwari zvakadai? Kana mambo vachitaura zvakadai, havazi kuzvipa mhosva here, nokuti mambo havana kudzosa mwanakomana uya akambenge adzingwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mukadzi akati, “Madarirei kurongera vanhu vaTenzi zvinhu zvakadai nokuti nomutemero wamaita nyaya iyi matozvipa mhosva, sezvo imi, mambo musina kuti mwana wenyu arovera musango adzoke kuno zvakare?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mukadzi akati, “Zvino makarangarireiko kuitira vanhu vaIsiraeri chinhu chakadai? Nokuti pakutaura kwenyu shoko rakadai, mambo wafanana nomunhu ane mhosva, nokuti mambo haadzoserizve kumusha kwake mwanakomana wake waakadzinga.
Shona 2009?
Mukadzi akati, "Zvino makarangarireiko kuitira vanhu vaIsiraeri chinhu chakadai? Nokuti pakutaura kwenyu shoko rakadai, mambo wafanana nomunhu ane mhosva, nokuti mambo haadzoserizve kumusha kwake mwanakomana wake waakadzinga.
Shona SUB 2002 Bible
Mukadzi akati, “Zvino makarangarireiko kuitira vanhu VaIsiraeri chinhu chakadai? Nokuti pakutaura kwenyu shoko rakadai, mambo wafanana nomunhu ane mhosva, nokuti mambo haadzoserizve kumusha kwake mwanakomana wake waakadzinga.