2 Samuel 14:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀino, ndaʋuya ini kuzotaura shoko iri kunashe waŋgu mambo, nokuti ʋanhu ʋakandityisa; murandakadzi wenyu akati: Ndicataura ɀino namambo; ɀimŋe mambo ucatenda ɀinokumbirwa nomurandakadzi wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvino ini ndauya kuzotaura izvi kuna ishe mambo wangu nokuti vanhu vandityisidzira. Murandakadzi wenyu akafunga akati, ‘Rega ndinotaura namambo zvimwe vangaitira muranda wavo zvaanokumbira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino ndauya kuzotaura izvi kwamuri, mambo changamire, pamusana pokuti vanhu vakaita kuti nditye ndokubva ini muranda wenyu ndati regai nditaure namambo, zvimwe vanganzwe chichemo changu, ini muranda wake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Naizvozvo zvino, ndauya ini kuzotaura shoko iri kunashe wangu mambo, nokuti vanhu vakandityisa; murandakadzi wenyu akati, ‘Ndichataura zvino namambo; zvimwe mambo uchatenda zvinokumbirwa nomurandakadzi wake.’
Shona 2009?
"Naizvozvo zvino, ndauya ini kuzotaura shoko iri kunashe wangu mambo, nokuti vanhu vakandityisa; murandakadzi wenyu akati, `Ndichataura zvino namambo; zvimwe mambo uchatenda zvinokumbirwa nomura-ndakadzi wake.'
Shona SUB 2002 Bible
“Naizvozvo zvino, ndauya ini kuzotaura shoko iri kunashe wangu mambo, nokuti vanhu vakandityisa; murandakadzi wenyu akati, ‘Ndichataura zvino namambo; zvimwe mambo uchatenda zvinokumbirwa nomurandakadzi wake.’