2 Samuel 14:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti mambo ucaterera hake, akarwira murandakadzi wake paruʋoko rwomunhu unoɗa kundiparadza ini pamŋe cete nomŋanakomana waŋgu, tirege kudya nhaka yaMŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvimwe mambo vangabvuma kurwira murandakadzi wavo kubva paruoko rwomunhu anotsvaka kuparadza zvose ini nomwanakomana wangu kuti tirege kugara nhaka yatakapiwa naMwari.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndaiti zvimwe mambo vanganzwe vakandinunura mumaoko omunhu anoda kundiuraya pamwechete nomwana wangu munhaka yedu iyi yatakapiwa naMwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti mambo uchateerera hake, akarwira murandakadzi wake paruoko rwomunhu unoda kundiparadza ini pamwechete nomwanakomana wangu, tirege kudya nhaka yaMwari.
Shona 2009?
"Nokuti mambo uchateerera hake, akarwira murandakadzi wake paruoko rwomunhu unoda kundiparadza ini pamwechete nomwanakomana wangu, tirege kudya nhaka yaMwari.
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti mambo uchateerera hake, akarwira murandakadzi wake paruoko rwomunhu unoda kundiparadza ini pamwechete nomwanakomana wangu, tirege kudya nhaka yaMwari.