2 Samuel 14:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo akati: Joabi wakaɓatsirana newe paɀinhu iɀi ɀose here? Mukadzi akapindura, akati: Noʋupenyu bgomŋeya waŋgu, ishe waŋgu mambo, hakunomunhu uŋgatsauka kurudyi kana kuruɓoshwe pashoko rimŋe rakataurwa nashe waŋgu mambo; nokuti muranda wenyu Joabi ndiye wakandiraira, ndiye wakaisa mashoko awa ose mumuromo womurandakadzi wenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo akabvunza akati, “Ko, ruoko rwaJoabhu harusi kubatsirana newe pazvinhu zvose izvi here?” Mukadzi akapindura akati, “Noupenyu hwenyu, ishe wangu mambo, hapana munhu angatendeukira kurudyi kana kuruboshwe kubva pane zvinenge zvataurwa nashe mambo wangu. Ichokwadi, muranda wenyu Joabhu ndiye andirayira kuti ndiite izvi uye ndiye aisa mashoko ose aya mumuromo womurandakadzi wenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo akati, “Hauna kutumwa naJoabhu here iwe?” Mukadzi akadavira achiti, “Chokwadi chaicho ndichocho sezvamuripo kudai, mambo changamire. Kana imi mabvunza munhu haawane pokunzvenga-nzvenga napo. Ndiro gurukota renyu Joabhu randituma. Ndiye akandisoka zvose zvandataura, ini muranda wenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo akati, “Joabhu wakabatsirana newe pazvinhu izvi zvose here?” Mukadzi akapindura, akati, “Noupenyu hwomweya wangu, ishe wangu mambo, hakuna munhu ungatsauka kurudyi kana kuruboshwe pashoko rimwe rakataurwa nashe wangu mambo; nokuti muranda wenyu Joabhu ndiye wakandiraira, ndiye wakaisa mashoko awa ose mumuromo womurandakadzi wenyu.
Shona 2009?
Mambo akati, "Joabhu wakabatsirana newe pazvinhu izvi zvose here?" Mukadzi akapindura, akati, "Noupenyu hwomweya wangu, ishe wangu mambo, hakuna munhu ungatsauka kurudyi kana kuruboshwe pashoko rimwe rakataurwa nashe wangu mambo; nokuti muranda wenyu Joabhu ndiye wakandiraira, ndiye wakaisa mashoko awa ose mumuromo womurandakadzi wenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Mambo akati, “Joabhu wakabatsirana newe pazvinhu izvi zvose here?” Mukadzi akapindura, akati, “Noupenyu hwomweya wangu, ishe wangu mambo, hakuna munhu ungatsauka kurudyi kana kuruboshwe pashoko rimwe rakataurwa nashe wangu mambo; nokuti muranda wenyu Joabhu ndiye wakandiraira, ndiye wakaisa mashoko awa ose mumuromo womurandakadzi wenyu.