2 Samuel 14:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Joabi akatumira Tekoa, akatora’ko mukadzi wakaŋga akaŋgwara, akati kwaari: Uɀiite hako somucemi, ufuke ŋguʋo dzokucema, usaɀizora mafuta, asi uɀiite somukadzi wakaŋguʋa acema wakafa;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Joabhu akatuma munhu kuTekoa kuti andouya nomukadzi akanga akachenjera kubva ikoko. Akati kwaari, “Ita somunhu ari pakuchema. Upfeke nguo dzokuchema uye usazvizora mafuta. Uite somukadzi ava namazuva akawanda ari pakuchema vakafa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Joabhu akabva atumira munhu kuTekowa kundouya nomumwe mukadzi akangwara. Akati kwaari “Ndapota unofanira kuita somunhu anochema nhamo yorufu upfeke hanzu dzinopfekwa nomunhu ari pakuchema urege kuzora muviri mafuta, uite somukadzi ava namazuva mazhinji achichema munhu akafa,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Joabhu akatumira Tekoa, akatorako mukadzi wakanga akangwara, akati kwaari, “Uzviite hako somuchemi, ufuke nguo dzokuchema, usazvizora mafuta, asi uzviite somukadzi wakanguva achema wakafa;
Shona 2009?
Joabhu akatumira Tekoa, akatorako mukadzi wakanga akangwara, akati kwaari, "Uzviite hako somuchemi, ufuke nguvo dzokuchema, usazvizora mafuta, asi uzviite somukadzi wakanguva achema wakafa;
Shona SUB 2002 Bible
Joabhu akatumira Tekoa, akatorako mukadzi wakanga akangwara, akati kwaari, “Uzviite hako somuchemi, ufuke nguo dzokuchema, usazvizora mafuta, asi uzviite somukadzi wakanguva achema wakafa;