2 Samuel 14:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ŋguʋa yaaigurira vudzi rake, (ɀino wairigurira pakupera kwegore rimŋe nerimŋe, nokuti ʋudzi rake raimuremera, naiɀoɀo wairigurira), waiyera vudzi romusoro wake, rikaȿika mashekeri anamazana maʋiri, acienzanisa neciyero camambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pose paaigurira bvudzi rake, aigurira bvudzi rake nguva nenguva parainge rava kumuremera, airiyera, uye uremo hwaro hwaisvika mashekeri mazana maviria kana zvichierwa nechiereso chamambo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Aiti kana ogera musoro wake, bvudzi raaigera kupera kwegore roga roga rava kumuremera airiera. Uremo hwaro hwaiita makirogiramu maviri maererano nomwero wokwamambo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nguva yaaigurira vhudzi rake, (zvino wairigurira pakupera kwegore rimwe nerimwe, nokuti vhudzi rake raimuremera, naizvozvo wairigurira), waiyera vhudzi romusoro wake, rikasvika mashekeri ana mazana maviri, achienzanisa nechiyero chamambo.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible