2 Samuel 14:32 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Absaromi akapindura Joabi, akati: Tarira, ndakatuma shoko kwauri, ndiciti: Ʋuya pano, ndikutume kunamambo, undoti: Ndakabvireiko Geshuri? Ɀaiʋa ɀirinani kuti ndiʋe’po naɀino; naiɀoɀo ɀino nditendere ndiʋone ciso camambo; kana ndinemhoȿa, ŋgaandiʋuraye hake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Abhusaromu akati kuna Joabhu, “Tarira ndatuma shoko kwauri ndikati, ‘Uya kuno kuti ndikutume kuna mambo unobvunza kuti, “Ko, zvino ndakabvirei hangu kuGeshuri?”’ Zvingadai zviri nani dai ndanga ndichiriko zvangu! Naizvozvo, ndinoda kuona chiso chamambo, uye kana ndine mhosva yechimwe chinhu, ngavandiuraye havo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Abhusharomu ndokuti kuna Joabhu, “Ndakakutumiraka shoko iwe kuti uuye kuno ndikutume kuna mambo kundoti, ‘Ko, ndakabvireiko kuGeshuri? Zvaitova nani kuti ndinge ndichiriko nazvino.’ Saka zvino regai ndisvike kwamambo. Kana ndiine mhosva andiuraye zvake.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Abhusaromu akapindura Joabhu akati, “Tarira, ndakatuma shoko kwauri, ndichiti, ‘Uya pano, ndikutume kuna mambo,’ undoti ‘Ndakabvireiko Geshuri? Zvaiva zviri nani kuti ndivepo nazvino; naizvozvo zvino nditendere ndiwone chiso chamambo; kana ndine mhosva, ngaandiuraya hake.’ ”
Shona 2009?
Abhusaromu akapindura Joabhu akati, "Tarira, ndakatuma shoko kwauri, ndichiti, `Uya pano, ndikutume kuna mambo,' undoti `Ndakabvireiko Geshuri? Zvaiva zviri nani kuti ndivepo nazvino; naizvozvo zvino nditendere ndiwone chiso chamambo; kana ndine mhosva, ngaandiuraya hake.' "
Shona SUB 2002 Bible
Abhusaromu akapindura Joabhu akati, “Tarira, ndakatuma shoko kwauri, ndichiti, ‘Uya pano, ndikutume kuna mambo,’ undoti ‘Ndakabvireiko Geshuri? Zvaiva zviri nani kuti ndivepo nazvino; naizvozvo zvino nditendere ndiwone chiso chamambo; kana ndine mhosva, ngaandiuraya hake.’ ”