2 Samuel 14:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mukadzi weTekoa akati kunamambo: Ishe waŋgu mambo, mhoȿa ŋgaiʋe kwandiri nokuimba yaɓaɓa ʋaŋgu, asi mambo necigaro cake coʋushe ŋgaɀirege kuʋa nemhoȿa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi mukadzi weTekoa akati kwaari, “Ishe wangu mambo, mhosva ngaive kwandiri nokuimba yababa vangu, uye mambo nechigaro chake choushe ngazvirege kuva nemhosva.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mudzimai wokuTekowa akati kuna mambo, “Mhosva iyi ngaive zvayo yangu, mambo changamire neyemhuri yokwababa vangu. Ngairege zvayo kunhanhira imi mambo nevemba yenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mukadzi weTekoa akati kuna mambo, “Ishe wangu mambo, mhosva ngaive kwandiri nokuimba yababa vangu, asi mambo nechigaro chake choushe ngazvirege kuva nemhosva.”
Shona 2009?
Mukadzi weTekoa akati kuna mambo, "Ishe wangu mambo, mhosva ngaive kwandiri nokuimba yababa vangu, asi mambo nechigaro chake choushe ngazvirege kuva nemhosva."
Shona SUB 2002 Bible
Mukadzi weTekoa akati kuna mambo, “Ishe wangu mambo, mhosva ngaive kwandiri nokuimba yababa vangu, asi mambo nechigaro chake choushe ngazvirege kuva nemhosva.”