2 Samuel 15:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Absaromi wakatuma ʋashori pakati pamarudzi ose aIsraeri, akati: Kana mukanzwa kurira kwehwamanda, ipapo muti: Absaromi ndimambo paHebroni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Abhusaromu akatuma nhume muchivande kumarudzi ose avaIsraeri kundoti kwavari, “Kana muchinge manzwa hwamanda yarira, ipapo daidzirai muchiti, ‘Abhusaromu ava mambo muHebhuroni.’ ” Varume mazana maviri vokuJerusarema vakanga vaperekedza Abhusaromu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Abhusharomu ndopaakabva zvino atuma nhume kumadzinza ose eIsiraeri neshoko rokuti, “Pamunongonzwa chete kurira kwehwamanda imi itii, ‘KuHeburoni Abhusharomu ava mambo.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Abhusaromu wakatuma vashori pakati pamarudzi ose aIsiraeri, akati, “Kana mukanzwa kurira kwehwamanda, ipapo muti, ‘Abhusaromu ndimambo paHebhuroni.’ ”
Shona 2009?
Asi Abhusaromu wakatuma vashori pakati pamarudzi ose aIsiraeri, akati, "Kana mukanzwa kurira kwehwamanda, ipapo muti, `Abhusaromu ndimambo paHebhuroni.' "
Shona SUB 2002 Bible
Asi Abhusaromu wakatuma vashori pakati pamarudzi ose aIsiraeri, akati, “Kana mukanzwa kurira kwehwamanda, ipapo muti, ‘Abhusaromu ndimambo paHebhuroni.’ ”