2 Samuel 15:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iwe ucaŋgoȿika zuro, ɀino ini ndicakufambisa‐fambisa seiko nesu, ɀandisiŋgaziʋi ini kwandinoenda? Dzoka hako, udzoke ʋo nehama dzako; nenyasha neɀokwaɗi ŋgaɀiʋe newe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Wakauya nezuro chaiye, zvino nhasi ndingaita kuti udzungaire nesu here, uye ini ndisingazivi chaiko kwandinoenda? Dzokera, uye tora hama dzako dzose. Ngoni nokutendeka ngazvive newe.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iwe wakangosvikawo nezuro uno, ndiwe here wandingati utunhaire nesu ndisingazvizivi kudai kuti kwatiri kuenda ndokupi. Dzokera utorewo hama dzako uende nadzo, nemwoyo wakanaka uye nekutendeseka.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iwe uchangosvika zuro, zvino ini ndichakufambisa‐fambisa seiko nesu, zvandisingazivi ini kwandinoenda? Dzoka hako, udzokewo nehama dzako; nenyasha nezvokwadi ngazvive newe.”
Shona 2009?
Iwe uchangosvika zuro, zvino ini ndichakufambisa-fambisa seiko nesu, zvandisingazivi ini kwandinoenda? Dzoka hako, udzokewo nehama dzako; nenyasha nechokwadi ngazvive newe."
Shona SUB 2002 Bible
Iwe uchangosvika zuro, zvino ini ndichakufambisa–fambisa seiko nesu, zvandisingazivi ini kwandinoenda? Dzoka hako, udzokewo nehama dzako; nenyasha nezvokwadi ngazvive newe.”