2 Samuel 15:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Itai akapindura mambo, akati: NaJehova mupenyu, naishe waŋgu mambo mupenyu, ɀirokwaɀo, panondogara ishe waŋgu mambo, kana kufira’po kana kuraramira’po, ndi’po pacaʋa muranda wenyu ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Itai akapindura mambo akati, “Ndinopika naJehovha mupenyu, uye ndinopika naishe wangu mambo mupenyu, pana ishe wangu mambo, kunyange zvikareva upenyu kana kufa, ipapo muranda wenyu ndipo paachava.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Itai akapindura mambo achiti, “NaTenzi chaiye mupenyu nemiwo sezvamuripo kudai mambo changamire, kungave kufa kana kurarama, mambo changamire, kwamunenge muri, ini muranda wenyu ndokwandichave.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Itai akapindura mambo akati, “NaJehovha mupenyu zvirokwazvo, panondogara ishe wangu mambo, kana kufirapo kana kuraramirapo, ndipo pachava muranda wenyuwo.”
Shona 2009?
Itai akapindura mambo akati, "NaJehovha mupenyu zvirokwazvo, panondogara ishe wangu mambo, kana kufirapo kana kuraramirapo, ndipo pachava nemuranda wenyuwo."
Shona SUB 2002 Bible
Itai akapindura mambo akati, “NaJehovha mupenyu zvirokwazvo, panondogara ishe wangu mambo, kana kufirapo kana kuraramirapo, ndipo pachava muranda wenyuwo.”