2 Samuel 15:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Davidi akakwira nokumukwidza wegomo reMiorivi, akafamba aciŋgocema; akafukidza musoro wake, akafamba asineshaŋgu, naʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋanaye ʋakafukidza misoro yaʋo, ʋakakwira, ʋakaŋgocema pakukwira kwaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Dhavhidhi akaramba achikwira Gomo reMiorivhi, akaenda achichema: aiva akafukidza musoro wake asina shangu. Vanhu vose naivowo vakanga vakafukidza misoro yavo vachichema vachikwidza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Dhavhidhi akakwira makata echikomo cheMiorivhi, akafamba achisvimha misodzi akafukidza musoro asina kana shangu mumakumbo. Vanhu vose vaaiva navo vakafukidzawo musoro vakakwira vakafamba vachihwihwidza kuchema.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dhavhidhi akakwira nokumukwidza wegomo reMiorivhi, akafamba achingochema; akafukidza musoro wake, akafamba asine shangu, navanhu vose vakanga vanaye vakafukidza misoro yavo, vakakwira, vakangochema pakukwira kwavo.
Shona 2009?
Dhavhidhi akakwira nokumukwidza wegomo reMiorivhi, akafamba achingochema, akafukidza musoro wake, akafamba asine shangu, navanhu vose vakanga vanaye vakafukidza misoro yavo, vakakwira, vakangochema pakukwira kwavo.
Shona SUB 2002 Bible
Dhavhidhi akakwira nokumukwidza wegomo reMiorivhi, akafamba achingochema; akafukidza musoro wake, akafamba asine shangu, navanhu vose vakanga vanaye vakafukidza misoro yavo, vakakwira, vakangochema pakukwira kwavo.