2 Samuel 15:36 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarira, ʋanaʋanakomana ʋaʋo ʋaʋiri’po, Ahimaazi mŋanakomana waZadoki, naJonatani mŋanakomana waAbiatari; ɀino unditumire naʋo ɀose ɀaucanzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vana vavo vaviri, Ahimaazi mwanakomana waZadhoki naJonatani mwanakomana waAbhiatari, varikowo. Uvatume kwandiri nezvose zvaunenge wanzwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ikoko vane vana vavo vakomana vaviri, vana Ahimaazi mwana waZadhoki naJonatani waAbhiatari. Ndovamuchapota muchituma neshoko kwandiri kuwana chose chamunenge mangonzwa chete.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarira, vana vavanakomana vavo vaviripo, Ahimaazi mwanakomana waZadhoki, naJonatani mwanakomana waAbhiatari; zvino unditumire navo zvose zvauchanzwa.”
Shona 2009?
Tarira, vana vavanakomana vavo vaviripo, Ahimaazi mwanakomana waZadhoki, naJonatani mwanakomana waAbhiatari; zvino unditumire navo zvose zvauchanzwa."
Shona SUB 2002 Bible
Tarira, vana vevanakomana vavo vaviripo, Ahimaazi mwanakomana waZadhoki, naJonatani mwanakomana waAbhiatari; zvino unditumire navo zvose zvauchanzwa.”