2 Samuel 15:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Absaromi waiita nomutoʋo uyu naʋaIsraeri ʋose ʋaiʋuya kunamambo kuzotambirwa mhoȿa dzaʋo; naiɀoɀo Absaromi akanyeŋgera mŋoyo yaʋanhu ʋaIsraeri kuti imuɗe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Abhusaromu aiitira izvi kuvaIsraeri vose vaiuya kuna mambo kuzotambirwa mhosva dzavo, nokudaro akaita kuti varume vose vomuIsraeri vamude.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndozvaiita Abhusharomu kuvaIsiraeri vose vaiuya kuzotongwa namambo. Ipapo vanhu veIsiraeri vakatorwa mwoyo naAbhusharomu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Abhusaromu waiita nomutowo uyu navaIsiraeri vose vaiuya kuna mambo kuzotambirwa mhosva dzavo; naizvozvo Abhusaromu akanyengera mwoyo yavanhu vaIsiraeri kuti imude.
Shona 2009?
Zvino Abhusaromu waiita nomutowo uyu navaIsiraeri vose vaiuya kuna mambo kuzotambirwa mhosva dzavo; naizvozvo Abhusaromu akanyengera moyo yavanhu vaIsiraeri kuti imude.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Abhusaromu waiita nomutowo uyu naVaIsiraeri vose vaiuya kuna mambo kuzotambirwa mhosva dzavo; naizvozvo Abhusaromu akanyengera mwoyo yavanhu VaIsiraeri kuti imude.