2 Samuel 16:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Davidi wakati apfuʋura musoro wegomo ɀishoma, akaʋona Ziba, muranda waMefibosheti osoŋgana naye, anemboŋgoro mbiri dzakaŋga dzatakudzwa ɀiŋgwa ɀinamazana maʋiri, namasumbu amazambiriŋga akawomeswa anezana, nemicero yezhezha inezana, nehomo yewaini.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akati afamba chinhambwe chiduku pamusoro pegomo, akaona Zibha, muranda waMefibhosheti akamumirira. Akanga ane mbongoro mbiri dzakanga dzakatakudzwa mazana maviri ezvingwa, nezana ramakeke amaonde nedende rewaini.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi paakangoti pfuurei zvishoma pamusoro paye ndiye Zibha muranda waMefibhosheti nepo pfacha namadhongi aiva nezvityaro akatakudzwa zvingwa mazana maviri, nezana rezvitsumbu zvamagirepisi akaomeswa nemichero zana yomuzhizha neguchu rewaini redehwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Dhavhidhi wakati apfuura musoro wegomo zvishoma, akaona Zibha, muranda waMefibhosheti osangana naye, ane mbongoro mbiri dzakanga dzatakudzwa zvingwa zvina mazana maviri, namasumbu amadzambiringa akawomeswa ane zana, nemichero yezhezha ine zana, nehomo yewaini.
Shona 2009?
Zvino Dhavhidhi wakati apfuura musoro wegomo zvishoma akaona Zibha, muranda waMefibhosheti osangana naye, ane mbongoro mbiri dzakanga dzatakudzwa zvingwa zvina mazana maviri, namasumbu amazambiringa akawomeswa ane zana, nemichero yezhezha ine zana, nehomo yewaini.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Dhavhidhi wakati apfuura musoro wegomo zvishoma, akaona Zibha, muranda waMefibhosheti osangana naye, ane mbongoro mbiri dzakanga dzatakudzwa zvingwa zvina mazana maviri, namasumbu amazambiringa akawomeswa ane zana, nemichero yezhezha ine zana, nehomo yewaini.