2 Samuel 16:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Davidi akati kunaAbishai, nokuʋaranda ʋake ʋose: Tarirai, iye mŋanakomana waŋgu wandakaɓereka, unotȿaka kundiʋuraya; ndoɗa ɀino muBenjamini uyu! Muregei, ŋgaatuke hake, nokuti Jehova wakamuraira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Dhavhidhi akati kuna Abhishai namakorokota ake ose, “Mwana wangu, anova wenyama yangu chaiyo, ari kuda kundiuraya. Ko, kuzoti uyu zvake, muBhenjamini! Musiyei akadaro; regai atuke, nokuti Jehovha amutuma.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akati kuna Abhishai nokumakurukota ake ose, “Hamuoniwo here kuti mwana wangu chaiye wokubereka ari kuda kuparadza upenyu hwangu. Ko kutozoti uyu wokwaBhenjamini zvake? Muregei akadaro. Regai atuke zvake nokuti Tenzi ndiye aita kuti adaro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dhavhidhi akati kuna Abhishai, nokuvaranda vake vose, “Tarirai, iye mwanakomana wangu wandakabereka, unotsvaka kundiuraya; ndoda zvino muBhenjamini uyu! Muregei, ngaatuke hake, nokuti Jehovha wakamuraira.
Shona 2009?
Dhavhidhi akati kuna Abhishai, nokuvaranda vake vose, "Tarirai, iye mwanakomana wangu wandakabereka, unotsvaka kundiuraya; ndoda zvino muBhenjamini uyu! Muregei, ngaatuke hake, nokuti Jehovha wakamuraira.
Shona SUB 2002 Bible
Dhavhidhi akati kuna Abhishai, nokuvaranda vake vose, “Tarirai, iye mwanakomana wangu wandakabereka, unotsvaka kundiuraya; ndoda zvino muBhenjamini uyu! Muregei, ngaatuke hake, nokuti Jehovha akamuraira.