2 Samuel 16:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo akati kunaZiba: Unoɗiniko neɀiɀi? Ziba akati: Mboŋgoro ndinopa ʋeimba yamambo kuti ʋataȿe; ɀiŋgwa nemicero yezhezha ndiɀo ɀokudya ɀamajaya, newaini kuti ʋanoziya murenje ʋanwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo akabvunza Zibha akati, “Ko, wauyirei nezvinhu izvi?” Zibha akapindura akati, “Mbongoro ndedzeveimba yamambo kuti vatasve, zvingwa nemichero ndezvavarume kuti vadye, uye waini ndeyokupedza nyota yeavo vanga vaneta nokuda kwerenje.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo akati kuna Zibha, “Ko wauyirei nezvinhu izvi?” Zibha akati, “Madhongi aya ndeokuti mhuri yamambo iwane chokufambisa. Zvingwa izvi nemichero yezhizha iyi ndechokudya chamajaya enyu. Waini ndeyokuti vanenge vaziya nenyota murenje muno vanwe.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo akati kuna Zibha, “Unodiniko nezvizvi?” Zibha akati, “Mbongoro ndinopa veimba yamambo kuti vatasve; zvingwa nemichero yezhezha ndizvo zvokudya zvamajaya, newaini kuti vanoziya murenje vanwe.”
Shona 2009?
Mambo akati kuna Zibha, "Unodiniko nezvizvi?" Zibha akati, "Mbongoro ndinopa veimba yamambo kuti vatasve; zvingwa nemichero yezhezha ndizvo zvokudya zvamajaya, newaini kuti vanoziya murenje vamwe."
Shona SUB 2002 Bible
Mambo akati kuna Zibha, “Unodiniko nezvizvi?” Zibha akati, “Mbongoro ndinopa veimba yamambo kuti vatasve; zvingwa nemichero yezhezha ndizvo zvokudya zvamajaya, newaini kuti vanoziya murenje vanwe.”