2 Samuel 16:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ahitoferi akati kunaAbsaromi: Pindai kuʋaroŋgo ʋaɓaɓa ʋenyu ʋaʋakasiya, kuti ʋaceŋgete imba; ipapo ʋaIsraeri ʋose ʋacanzwa kuti mosemŋa naɓaɓa ʋenyu; ipapo maʋoko aʋose ʋamunaʋo acasimbiswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ahitoferi akapindura akati, “Vatai navarongo vababa venyu avo vakasiyiwa vakachengeta muzinda wamambo. Ipapo Israeri yose ichanzwa kuti mazviita chinhu chinonhuwa mumhuno dzababa venyu, uye maoko avanhu vose vanokutsigirai achasimbiswa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ahitoferi akati kuna Abhusharomu, “Torana navarongo vababa vako vavakasiya kuti vachengete musha ugare navo savakadzi vako. Isiraeri yose ichazvinzwa kuti wakazvimutsira daka nababa vako. Izvozvo zvinobva zvasimbaradza vanhu vaunavo”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ahitoferi akati kuna Abhusaromu, “Pindai kuvarongo vababa venyu vavakasiya, kuti vachengete imba; ipapo vaIsiraeri vose vachanzwa kuti mosemwa nababa venyu; ipapo maoko avose vamunawo achasimbiswa.”
Shona 2009?
Ahitoferi akati kuna Abhusaromu, "Pindai kuvarongo vababa venyu vavakasiya, kuti vachengete imba; ipapo vaIsiraeri vose vachanzwa kuti mosemwa nababa venyu; ipapo maoko avose vamunavo achasimbiswa."
Shona SUB 2002 Bible
Ahitoferi akati kuna Abhusaromu, “Pindai kuvarongo vababa venyu vavakasiya, kuti vachengete imba; ipapo VaIsiraeri vose vachanzwa kuti mosemwa nababa venyu; ipapo maoko avose vamunawo achasimbiswa.”