2 Samuel 16:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo akati: Mŋanakomana washe wako uripiko? Ziba akati kunamambo: Tarirai, wakasara Jerusarema, nokuti wakati: Nhasi imba yaIsraeri ʋacandidzosera ʋushe bgaɓaɓa ʋaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo akabvunza akati, “Ko, muzukuru watenzi wako aripi?” Zibha akati kwaari, “Ari kugara muJerusarema, nokuti anoti iye, ‘Nhasi veimba yaIsraeri vachandidzorera umambo hwasekuru vangu.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo ndokuti, “Ko mwanakomana watenzi wako ari kupiko?” Zibha akati kuna mambo, “Asara zvake muJerusaremu umu. Ari kutoti nhasi mhuri yeIsiraeri ichandidzosera ushe hwababa vangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo akati, “Mwanakomana washe wako uripiko?” Zibha akati kuna mambo, “Tarirai, wakasara Jerusaremu, nokuti wakati, ‘Nhasi imba yaIsiraeri vachandidzosera ushe hwababa vangu.’ ”
Shona 2009?
Mambo akati, "Mwanakomana washe wako uripiko?" Zibha akati kuna mambo, "Tarirai, wakasara Jerusaremu, nokuti wakati, `Nhasi imba yaIsiraeri vachandidzosera ushe hwababa vangu.' "
Shona SUB 2002 Bible
Mambo akati, “Mwanakomana washe wako uripiko?” Zibha akati kuna mambo, “Tarirai, wakasara Jerusaremu, nokuti wakati, ‘Nhasi imba yaIsiraeri vachandidzosera ushe hwababa vangu.’ ”