2 Samuel 17:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo kunyaŋge munhu wemhare, unomŋoyo wakafanana noweshumba, ucaʋora mŋoyo, nokuti ʋaIsraeri ʋose ʋanoziʋa kuti ɓaɓa ʋenyu imhare, naiʋo ʋaʋanaʋo ʋanhu ʋoʋumhare ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo kunyange murwi akashinga kwazvo, ane mwoyo wakaita soweshumba, achati rukutu nokutya, nokuti vaIsraeri vose vanoziva kuti baba venyu murwi uye kuti vose vavanavo vakashinga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakadaro apo kunyange gamba chairo rine mwoyo weshumba rinobva rava mbwende chaiyo achibweka nokutya. Chandinodariro ndechokuti Isiraeri yose inozviziva kuti baba venyu igamba chairo rehondo uye kuti vavanavo vacho magambawo chaiwo ehondo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo kunyange munhu wemhare, ano mwoyo wakafanana noweshumba, uchawora mwoyo, nokuti vaIsiraeri vose vanoziva kuti baba venyu imhare, naivo vavanavo vanhu voumharewo.
Shona 2009?
Ipapo kunyange munhu wemhare, ano moyo wakafanana noweshumba, uchawora moyo, nokuti vaIsiraeri vose vanoziva kuti baba venyu imhare, naivo vavanavo vanhu voumharewo.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo kunyangwe munhu wemhare, ano mwoyo wakafanana noweshumba, uchawora mwoyo, nokuti VaIsiraeri vose vanoziva kuti baba venyu imhare, naivo vevanavo vanhu voumharewo.