2 Samuel 17:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino zano raŋgu ndiro, kuti ʋaIsraeri ʋose ʋaʋuŋganidzwe kwamuri, kubva paDani kuȿikira paBeeri‐sheba, ʋawande sejeca riri paguŋgwa; nemi ʋo muende mumene kuhondo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Saka zano rangu nderiri: VaIsraeri vose, kubva kuDhani kusvikira kuBheerishebha, vakawanda sejecha rokumhenderekedzo dzegungwa, ngavaungane kwamuri, iyemi pachenyu muchivatungamirira kundorwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka zvino zano rangu nderokuti, Isiraeri yose ngaikokorodzwe kubvira kuDhani kusvikira kuBheerisheba vaite sejecha repamahombekombe egungwa kuwanda, imimi pachenyu muendewo kuhondo,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino zano rangu ndiro, kuti vaIsiraeri vose vaunganidzwe kwamuri, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha, vawande sejecha riri pagungwa; nemiwo muende mumene kuhondo.
Shona 2009?
Zvino zano rangu ndiro, kuti vaIsiraeri vose vaunganidzwe kwamuri, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha, vawande sejecha riri pagungwa; nemiwo muende mumene kuhondo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino zano rangu ndiro, kuti VaIsiraeri vose vaunganidzwe kwamuri, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha, vawande sejecha riri pagungwa; nemiwo muende mumene kuhondo.