2 Samuel 17:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Absaromi naʋarume ʋose ʋaIsraeri ʋakati: Zano raHushai muArki rakanaka kukunda zano raAhitoferi. Nokuti Jehova wakaŋga atema kuti zano rakanaka raAhitoferi rikoneswe, kuti Jehova apinze Absaromi panjodzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Abhusaromu navarume vose veIsraeri vakati, “Zano raHushai muAriki riri nani pane raAhitoferi.” Nokuti Jehovha aida kukonesa zano rakanaka raAhitoferi kuitira kuti auyise njodzi pamusoro paAbhusaromu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Abhusharomu navarume vose vokwaIsiraeri vakatoti, “Zano raHushai wokuAriki riri nani pane raAhitoferi,” nyamba izvozvo Tenzi akanga aronga zvokupazanisa zano raAhitoferi kuti apinze Abhusharomu munyatwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Abhusaromu navarume vose vaIsiraeri vakati, “Zano raHushai muAriki rakanaka kukunda zano raAhitoferi.” Nokuti Jehovha wakanga atema kuti zano rakanaka raAhitoferi rikoneswe, kuti Jehovha apinze Abhusaromu panjodzi.
Shona 2009?
Ipapo Abhusaromu navarume vose vaIsiraeri vakati, "Zano raHushai muAriki rakanaka kukunda zano raAhitoferi." Nokuti Jehovha wakanga atema kuti zano rakanaka raAhitoferi rikoneswe, kuti Jehovha apinze Abhusaromu panjodzi.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Abhusaromu navarume vose VaIsiraeri vakati, “Zano raHushai muAriki rakanaka kukunda zano raAhitoferi.” Nokuti Jehovha akanga atema kuti zano rakanaka raAhitoferi rikoneswe, kuti Jehovha apinze Abhusaromu panjodzi.