2 Samuel 17:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀino, tumai munhu pakarepo, aʋudze Davidi, ati: Regai kuʋata ʋusiku bguno kumazambuko erenje, asi munofanira kuyambuka, kuti mambo arege kumedzwa naʋanhu ʋose ʋaanaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino chituma shoko nokukurumidza uye uudze Dhavhidhi kuti, ‘Musavata pamazambuko omurenje usiku huno; yambukai musamborega, nokuti mambo navanhu vose vaanavo vangamedzwa.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo chikurumidzai kutumira Dhavhidhi shoko rokuti usiku hwanhasi ngaarege kurara pokuyambuka napo kurenje, asi kutoti napose paanogonera ayambuke. Mambo navanhu vaanavo vangadaro vakamedzwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo zvino, tumai munhu pakarepo, audze Dhavhidhi, ati, ‘Regai kuvata usiku hwuno kumazambuko erenje, asi munofanira kuyambuka, kuti mambo arege kumedzwa navanhu vose vaanavo.’ ”
Shona 2009?
Naizvozvo zvino, tumai munhu pakarepo, audze Dhavhidhi, ati, `Regai kuvata usiku hwuno kumazambuko erenje, asi munofanira kuyambuka, kuti mambo arege kumedzwa navanhu vose vaanavo.' "
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo zvino, tumai munhu pakarepo, audze Dhavhidhi, ati, ‘Regai kuvata usiku hwuno kumazambuko erenje, asi munofanira kuyambuka, kuti mambo arege kumedzwa navanhu vose vaanavo.’ ”