2 Samuel 17:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋabva, iʋo ʋakaɓuɗa mutsime, ʋakandoʋudza mambo Davidi; ʋakati kunaDavidi: Simukai, mukurumidze kuyambuka mvura, nokuti Ahitoferi wakapa zano rokuti nerokuti pamsoro penyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shure kwokunge varume ava vaenda, vaviri vaya vakakwira vakabuda mutsime uye vakaenda kundozivisa Mambo Dhavhidhi izvozvo. Vakati kwaari, “Simukai izvozvi muyambuke rwizi urwu; Ahitoferi apa zano rokuti nerokuti pamusoro penyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakangoti endei, varume vaye vakabva vabuda mumugodhi wemvura uya vakandotaurira mambo Dhavhidhi. Vakabaira Dhavhidhi zanhi, vachiti, “Chitosimukai mukurumidze kuyambuka rwizi nokuti uku vaAhitoferi vapa vanhu zano kuti pawane chinoitwa kwamuri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vabva, ivo vakabuda mutsime, vakandoudza mambo Dhavhidhi; vakati kuna Dhavhidhi, “Simukai, mukurumidze kuyambuka mvura, nokuti Ahitoferi wakapa zano rokuti nerokuti pamusoro penyu.”
Shona 2009?
Zvino vakati vabva, ivo vakabuda mutsime, vakandoudza mambo Dhavhidhi; vakati kuna Dhavhidhi, "Simukai, mukurumidze kuyambuka mvura, nokuti Ahitoferi wakapa zano rokuti nerokuti pamusoro penyu."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati vabva, ivo vakabuda mutsime, vakandoudza mambo Dhavhidhi; vakati kuna Dhavhidhi, “Simukai, mukurumidze kuyambuka mvura, nokuti Ahitoferi wakapa zano rokuti nerokuti pamusoro penyu.”