2 Samuel 17:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Ahitoferi wakati aciʋona kuti ʋakaŋga ʋasinehanya nezano rake, akaisa cigaro pamsoro pemboŋgoro yake, akasimuka, akaenda kumba kwake kuguta rake, akaraira ʋose ʋeimba yake, akaɀisuŋgirira, akafa, akaʋigwa mubgiro bgaɓaɓa ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ahitoferi akati aona kuti zano rake rakanga risina kutevedzwa, akaisa chigaro pambongoro yake akaenda kumba kwake muguta rokwake. Akaronga zvose zveimba yake ndokubva azvisungirira. Saka akafa uye akavigwa muhwiro rababa vake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ahitoferi paakaona kuti zano rake harina kuteverwa, akati padhongi rake kata achibva aenda kumusha, kuguta rokwake. Akasiya aronga zvomumusha make ndokubva azvisungirira akafa, ndokuvigwa muguva rababa vake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Ahitoferi wakati achiona kuti vakanga vasine hanya nezano rake, akaisa chityaro pamusoro pembongoro yake, akasimuka, akaenda kumba kwake kuguta rake, akaraira vose veimba yake, akazvisungirira, akafa, akavigwa muhwiro hwababa vake.
Shona 2009?
Zvino Ahitoferi wakati achiona kuti vakanga vasine hanya nezano rake, akaisa chigaro pamusoro pembongoro yake, akasimuka, akaenda kumba kwake kuguta rake, akaraira vose veimba yake, akazvisungirira, akafa, akavigwa muhwiro hwababa vake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Ahitoferi wakati achiona kuti vakanga vasina hanya nezano rake, akaisa chityaro pamusoro pembongoro yake, akasimuka, akaenda kumba kwake kuguta rake, akaraira vose veimba yake, akazvisungirira, akafa, akavigwa muhwiro hwababa vake.