2 Samuel 17:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Absaromi akagadza Amasa aʋe mutuŋgamiriri wehondo panɀimbo yaJoabi. Amasa wakaŋga ari mŋanakomana womunhu wainzi Jitra muIsraeri, wakaŋga apinda kunaAbigairi, mukunda waNahasi, munuŋuna waZeruya, mai ʋaJoabi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Abhusaromu akanga agadza Amasa kuti ave mutungamiri wehondo pachinzvimbo chaJoabhu. Amasa akanga ari mwanakomana womumwe murume ainzi Jeteri, muIsraeri akanga awana Abhigairi, mwanasikana waNahashi uye ari munun'una waZeruya mai vaJoabhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Abhusharomu akanga asarudza Amasa kuti ave mutungamiriri wehondo panzvimbo yaiva yaJoabhu. Amasa uyu akanga ari mwanakomana womumwe murume wechiIshimaeri ainzi Itira akanga akaroora Abhigari mwana wavaNahashi aiva mukoma nomunun'una naZeruya amai vaJoabhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Abhusaromu akagadza Amasa ave mutungamiriri wehondo panzvimbo yaJoabhu. Amasa wakanga ari mwanakomana womunhu wainzi Jitira muIsiraeri, wakanga apinda kuna Abhigairi, mukunda waNahashi, munun’una waZeruya, amai vaJoabhu.
Shona 2009?
Abhusaromu akagadza Amasa ave mutungamiriri wehondo panzvimbo yaJoabhu. Amasa wakanga ari mwanakomana womunhu wainzi Jitira mulsiraeri, wakanga apinda kuna Abhigairi, mukunda waNahashi, munun'una waZeruya, amai vaJoabhu.
Shona SUB 2002 Bible
Abhusaromu akagadza Amasa ave mutungamiriri wehondo panzvimbo yaJoabhu. Amasa wakanga ari mwanakomana womunhu wainzi Jitira muIsiraeri, wakanga apinda kuna Abhigairi, mukunda waNahashi, munun'una waZeruya, amai vaJoabhu.