2 Samuel 17:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hushai akawedzera, akati: Munoziʋa ɓaɓa ʋenyu naʋanhu ʋaʋo, kuti ʋanhu ʋoʋumhare, ɀino ʋaneshuŋgu pamŋoyo paʋo, seɓere ratorerwa ʋana ʋaro kusaŋgo; ɓaɓa ʋenyu munhu wokurwa, haʋaŋgaʋati naʋanhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munoziva baba venyu navanhu vavo; varwi, uye vanotyisa kunge bere rabvutirwa vana varo. Pamusoro pezvo, baba venyu murwi ano ruzivo; havangavati namauto usiku.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hushai akatizve, “Inga kana nemiwo munongozvizivawo wani kuti baba venyu navanhu vavo magamba chaiwo ehondo uye kuti izvozvi vane ukasha seingwe yatorerwa vana vayo musango. Izvozvi, usiku havamborara vaya pamwechete navamwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hushai akawedzera, akati, “Munoziva baba venyu navanhu vavo, kuti vanhu voumhare, zvino vane shungu pamwoyo pavo, sebere ratorerwa vana varo kusango; baba venyu munhu wokurwa, havangavati navanhu.
Shona 2009?
Hushai akawedzera, akati, "Munoziva baba venyu navanhu vavo, kuti vanhu voumhare, zvino vane shungu pamoyo pavo, sebere ratorerwa vana varo kusango; baba venyu munhu wokurwa, havangavati navanhu.
Shona SUB 2002 Bible
Hushai akawedzera, akati, “Munoziva baba venyu navanhu vavo, kuti vanhu voumhare, zvino vane shungu pamwoyo pavo, sebere ratorerwa vana varo kusango; baba venyu munhu wokurwa, havangavati navanhu.