2 Samuel 17:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai, ɀino ʋandoʋanda paɓako, kana pamŋe; ɀino kana ʋamŋe ʋakataŋga kuʋurawa, aninani unoɀinzwa ucati: Ʋanhu, ʋanoteʋera Absaromi, ʋoʋurawa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange izvozvi vakavanda mubako kana pane imwe nzvimbo. Kana vakatanga kurwa navarwi venyu, ani naani anonzwa nezvazvo achati, ‘Pakati pavarwi vanotevera Abhusaromu paurayiwa vanhu.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kutaura kuno, izvozvi vakatohwanda mune rimwe gomba kana kuti pane imwe nzvimbowo. Baba venyu vakazongotanga kuvarwisa, ani naani anozvinzwa anobva ati, ‘Hakuzi kuurayiwa ikoko kwaitwa vanhu vokwaAbhusharomu.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarirai, zvino vandovanda pabako, kana pamwe; zvino kana vamwe vakatanga kuurawa, ani naani unozvinzwa uchati, ‘Vanhu, vanotevera Abhusaromu, vourawa.’
Shona 2009?
Tarirai, zvino vandovanda pabako, kana pamwe; zvino kana vamwe vakatanga kuurawa, aninani unonzwa uchati, `Vanhu, vanotevera Abhusaromu, vourawa.'
Shona SUB 2002 Bible
Tarirai, zvino vandovanda pabako, kana pamwe; zvino kana vamwe vakatanga kuurayiwa, ani naani unozvinzwa uchati, ‘Vanhu, vanotevera Abhusaromu, vourayiwa.’