2 Samuel 18:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Murume akati kunaJoabi: Kunyaŋge ndikapiwa masirveri anecuru muruʋoko rwaŋgu, handiŋgatambanudziri ruʋoko rwaŋgu kumŋanakomana wamambo, nokuti mambo wakaraira imi naAbishai naItai, isu ticiɀinzwa, akati: Cenjerai kuti kusaʋa nomunhu unogunɀa jaya, iye Absaromi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi murume uyu akati, “Kunyange dai chiuru chamashekerib chakanga chayerwa mumaoko angu, handaigona kusimudzira mwanakomana wamambo ruoko rwangu kuti ndimuuraye. Mambo akakurayirai imi naAbhishai uye naItai isu tichizvinzwa achiti, ‘Mudzivirire jaya Abhusaromu nokuda kwangu.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Murume uyu ndokuti kuna Joabhu, “Kunyange zvazvo zvikanzi ndini uyo ndachibata muruoko chiuru chezvidumbu zvemari yesirivha nouremo hwacho handimbofa ndakasimudzira rwangu ruoko kuuraya mwanakomana wamambo nokuti takanzwaka isu mambo vachikuudzai iyemi naAbhishai naItai kuti pamusana pangu mundichengetedzerewo zvakanaka mukomana uyu Abhusharomu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Murume akati kuna Joabhu, “Kunyange ndikapiwa masirivha ane chiuru muruoko rwangu, handingatambanudziri ruoko rwangu kumwanakomana wamambo, nokuti mambo wakaraira imi naAbhishai naItai, isu tichizvinzwa, akati, ‘Chenjerai kuti kusava nomunhu unogunzva jaya, iye Abhusaromu.’
Shona 2009?
Murume akati kuna Joabhu, "Kunyange ndikapiwa masirivha ane chiuru muruoko rwangu, handingatambanudziri ruoko rwangu kumwanakomana wamambo, nokuti mambo wakaraira imwi naAbhishai naItai, isu tichizvinzwa, akati, `Chenjerai kuti kusava nomunhu unogunzva jaya, iye Abhusaromu.'
Shona SUB 2002 Bible
Murume akati kuna Joabhu, “Kunyangwe ndikapiwa masirivha ane chiuru muruoko rwangu, handingatambanudziri ruoko rwangu kumwanakomana wamambo, nokuti mambo wakaraira imi naAbhishai naItai, isu tichizvinzwa, akati, ‘Chenjerai kuti kusava nomunhu unogunzva jaya, iye Abhusaromu.’