2 Samuel 18:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Joabi akati: Handigoni kunonoka kuɗai newe pano. Ɀino akatora mapfumo matatu muruʋoko rwake, akaɓaya Absaromi nawo pamŋoyo, aciri mupenyu mukati momuouki.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Joabhu akati, “Handinganonoki kudai nokuda kwako.” Saka akatora mapfumo matatu mumaoko ake akaanyudza mumwoyo maAbhusaromu, uye Abhusaromu achiri mupenyu mumuti womuouki.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Joabhu akati, “Regai ndirege kupedza nguva yangu newe zvakadai.” Akatora mapfumo matatu mumaoko akandobaya Abhusharomu pamwoyo. Izvozvo Abhusharomu akanga achiri mupenyu ari mumuoku muya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Joabhu akati, “Handigoni kunonoka kudai newe pano.” Zvino akatora mapfumo matatu muruoko rwake, akabaya Abhusaromu nawo pamwoyo, achiri mupenyu mukati momuoki.
Shona 2009?
Ipapo Joabhu akati, "Handigoni kunonoka kudai newe pano." Zvino akatora mapfumo matatu muruoko rwake, akabaya Abhusaromu nawo pamoyo, achiri mupenyu mukati momuoki.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Joabhu akati, “Handigoni kunonoka kudai newe pano.” Zvino akatora mapfumo matatu muruoko rwake, akabaya Abhusaromu nawo pamwoyo, achiri mupenyu mukati momuoki.