2 Samuel 18:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Joabi akaridza hwamanda, ʋanhu ʋakadzoka pakuteʋerera ʋaIsraeri, nokuti Joabi wakadziʋisa ʋanhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Joabhu akaridza hwamanda, uye varwi vakarega kutevera vaIsraeri, nokuti Joabhu akavamisa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Joabhu akaridza hwamanda, zvikwata zvavarwi zvikabva zvadzoka zvorega kuronda vokwaIsiraeri pamusana pokuti Joabhu akanga zvino avadzivisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Joabhu akaridza hwamanda, vanhu vakadzoka pakuteverera vaIsiraeri, nokuti Joabhu wakadzivisa vanhu.
Shona 2009?
Zvino Joabhu akaridza hwamanda, vanhu vakadzoka pakuteverera vaIsiraeri, nokuti Joabhu wakadzivisa vanhu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Joabhu akaridza hwamanda, vanhu vakadzoka pakuteverera VaIsiraeri, nokuti Joabhu wakadzivisa vanhu.