2 Samuel 18:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Davidi akatuma ʋanhu, cetatu caʋo ʋacirairwa naJoabi, necetatu caʋo ʋacirairwa naAbishai mŋanakomana waZeruya, munuŋuna waJoabi, necetatu caʋo ɀe ʋacirairwa naItai muGiti. Mambo akati kuʋanhu: Ɀirokwaɀo, neni ʋo ndimene ndicaenda nemi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akatumira varwi achiita kudai: chetatu chavo chichitungamirirwa naJoabhu, chimwe chetatu chichitungamirirwa nomunun'una waJoabhu ainzi Abhishai mwanakomana waZeruya, uye chetatuzve chichitungamirirwa naItai muGiti. Mambo akataurira vanhu kuti, “Zvirokwazvo neni pachangu ndichafamba nemi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazvikwata zvitatu zvaakatumira chimwe chaitungamirirwa naJoabhu, chimwe naAbhishai munun'una waJoabhu mwanakomana waZeruya, chimwewo chichitungamirirwa naItai muGiti. Mambo akati kuvanhu, “Iniwo ndiri kuzoenda nemi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dhavhidhi akatuma vanhu, chetatu chavo vachirairwa naJoabhu, nechetatu chavo vachirairwa naAbhishai mwanakomana waZeruya, munun’una waJoabhu, nechatatu chavozve vachirairwa naItai muGiti. Mambo akati kuvanhu, “Zvirokwazvo, neniwo ndimene ndichaenda nemi.”
Shona 2009?
Dhavhidhi akatuma vanhu, chetatu chavo vachirairwa naJoabhu, nechetatu chavo vachirairwa naAbhishai mwanakomana waZeruya, munun'una waJoabhu, nechatatu chavozve vachirairwa naItai muGiti. Mambo akati kuvanhu, "Zvirokwazvo, neniwo ndimene ndichaenda nemi."
Shona SUB 2002 Bible
Dhavhidhi akatuma vanhu, chetatu chavo vachirairwa naJoabhu, nechetatu chavo vachirairwa naAbhishai mwanakomana waZeruya, munun'una waJoabhu, nechatatu chavozve vachirairwa naItai muGiti. Mambo akati kuvanhu, “Zvirokwazvo, neniwo ndimene ndichaenda nemi.”