2 Samuel 18:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ahimaazi mŋanakomana waZadoki akati ɀe kunaJoabi: Kunyaŋge ɀakaɗaro haɀo, nditendere ndimhanye neni ʋo, nditeʋere muKushi. Joabi akati: Unoɗa kumhanyireiko, mŋana waŋgu, nokuti hauŋgapiwi muɓairo pamsoro peshoko?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ahimaazi mwanakomana waZadhoki akatizve kuna Joabhu, “Kunyange zvakadaro hazvo, ndapota regai ndimhanye nditevere muEtiopia.” Asi Joabhu akapindura akati, “Mwanakomana wangu, unodireiko kuenda? Hauna kana shoko richakupa mubayiro.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ahimaazi mwana wavaZadhoki akatizve kuna Joabhu, “Chauya chauya, regai zvangu ndimhanye nditevere muKushi uyu.” Joabhu akati, “Uchamhanyireiko mwanangu iwe uchitoonawo zvako kuti hapana mubayiro waunowana neshoko irori.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ahimaazi mwanakomana waZadhoki akatizve kuna Joabhu, “Kunyange zvakadaro hazvo, nditendere ndimhanye neniwo, nditevere muKushi.” Joabhu akati, “Unoda kumhanyireiko, mwana wangu, nokuti haungapiwi mubayiro pamusoro peshoko?”
Shona 2009?
Ahimaazi mwanakomana waZadhoki akatizve kuna Joabhu, "Kunyange zvakadaro hazvo, nditendere ndimhanye neniwo, nditevere muKushi." Joabhu akati, "Unoda kumhanyireiko, mwana wangu, nokuti haungapiwi mubayiro pamusoro peshoko?"
Shona SUB 2002 Bible
Ahimaazi mwanakomana waZadhoki akatizve kuna Joabhu, “Kunyangwe zvakadaro hazvo, nditendere ndimhanye neniwo, nditevere muKushi.” Joabhu akati, “Unoda kumhanyireiko, mwana wangu, nokuti haungapiwi mubairo pamusoro peshoko?”