2 Samuel 18:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo akati: Ko jaya, iye Absaromi, wakafara here? Ahimaazi akapindura, akati: Pakutumŋa kwomuranda wenyu, iyeni muranda wenyu, naJoabi, ndakaʋona nyoŋgano huru, asi ndakaŋga ndisiŋgaziʋi kuti cinyiko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo akabvunza akati, “Ko, jaya Abhusaromu mupenyu here?” Ahimaazi akati, “Ndakaona kunyongana kukuru panguva iyo Joabhu akanga oda kutuma muranda wamambo uye neni, muranda wenyu, asi handina kuziva kuti chaiva chii.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo akati, “Ko mukomana uyu Abhusharomu akadii?” Ahimaazi akati, “Ini muranda wenyu pandatumwa negurukota renyu Joabhu, ndangoona vanhu vachiita bvongonyera asi handizive kuti paitikei.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo akati, “Ko jaya, iye Abhusaromu, wakafara here?” Ahimaazi akapindura, akati, “Pakutumwa kwomuranda wenyu, iyeni muranda wenyu, naJoabhu, ndakaona nyongano huru, asi ndakanga ndisingazivi kuti chinyiko.”
Shona 2009?
Mambo akati, "Ko jaya, iye Abhusaromu, wakafara here?" Ahimaazi akapindura, akati, "Pakutumwa komuranda wenyu, iyeni muranda wenyu, naJoabhu, ndakaona nyongano huru, asi ndakanga ndisingazivi kuti chinyiko."
Shona SUB 2002 Bible
Mambo akati, “Ko jaya, iye Abhusaromu, wakafara here?” Ahimaazi akapindura, akati, “Pakutumwa kwomuranda wenyu, iyeni muranda wenyu, naJoabhu, ndakaona nyongano huru, asi ndakanga ndisingazivi kuti Chiiko.”