2 Samuel 18:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ʋanhu ʋakati: Hamuŋgaendi, nokuti kana tikatiza isu, haʋaŋgaʋi nehanya nesu; kunyaŋge hafu yaʋanhu ʋeɗu ʋakaʋurawa, haʋaŋgaʋi nehanya nesu; asi imi makafanana naʋanhu ʋeɗu ʋaneɀuru ɀinegumi; naiɀoɀo ɀirinani kuti mugare makaɀigadzira kuzotiɓatsira muri muguta.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi vanhu vakati, “Imi hamufaniri kuenda; kana tikamanikidzirwa kutiza, havambovi nehanya nesu. Kunyange kana hafu yedu ikafa, havambovi nehanya; asi imi munokosha sesu tiri zviuru gumi. Zvingava nani zvino kuti imi mutitsigire muri muguta.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vakati, “Hamufaniri kuenda, nokuti kana isu tikatiza havana hanya nesu. Kunyange vamwe vedu chikamu chepakati napakati chaicho chikafa, havanei nazvo. Asi imi ndimi makatokosha kupfuura isu tiri zviuru gumi. Zviri nani ndezvokuti imi munge muri muguta muchititumira rubatsiro.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi vanhu vakati, “Hamungaendi, nokuti kana tikatiza isu, havangavi nehanya nesu; kunyange hafu yavanhu vedu vakaurawa havangavi nehanya nesu; asi imi makafanana navanhu vedu vane zviuru zvine gumi; naizvozvo zviri nani kuti mugare makazvigadzira kuzotibatsira muri muguta.”
Shona 2009?
Asi vanhu vakati, "Hamungaendi, nokuti kana tikatiza isu, havangavi nehanya nesu; kunyange hafu yavanhu vedu vakaurawa havangavi nehanya nesu; asi imwi makafanana navanhu vedu vane zviuru zvine gumi; naizvozvo zviri nani kuti mugare makazvigadzira kuzotibatsira muri muguta."
Shona SUB 2002 Bible
Asi vanhu vakati, “Hamungaendi, nokuti kana tikatiza isu, havangavi nehanya nesu; kunyangwe hafu yavanhu vedu vakaurayiwa havangavi nehanya nesu; asi imi makafanana navanhu vedu vane zviuru zvine gumi; naizvozvo zviri nani kuti mugare makazvigadzira kuzotibatsira muri muguta.”