2 Samuel 18:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo akavunduka kwaɀo, akakwira kukamuri yakaŋga iri pamsoro pesuʋo, akacema; akaramba acifamba, aciti: Haiwa, mŋana waŋgu Absaromi, mŋana waŋgu, mŋana waŋgu Absaromi! Ndiŋgaɗai ndakafa haŋgu panɀimbo yako, haiwa Absaromi, mŋana waŋgu, mŋana waŋgu!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo akadedera. Akakwira kukamuri yakanga iri pamusoro pesuo akachema. Paaifamba aiti, “Haiwa mwanakomana wangu Abhusaromu! Mwanakomana wangu, mwanakomana wangu Abhusaromu! Dai chete ndafa hangu ini pachinzvimbo chako! Haiwa Abhusaromu, mwanakomana wangu, mwanakomana wangu!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo akabatwa neshungu akakwira akandopinda mumba yaiva pamusoro pesuo guru akahwihwidza kuchema akaendako achiti, “Ho Baba iwe, mwanangu Abhusharomu. Mwanangu kani. Mwanangu Abhusharomu. Dai ndiri ini zvangu ndafa iwe wasara. Nhai Abhusharomu mwanangu mwanangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo akavhunduka kwazvo, akakwira kukamuri yakanga iri pamusoro pesuo, akachema; akaramba achifamba, achiti, “Haiwa, mwana wangu Abhusaromu! Ndingadai ndakafa hangu panzvimbo yako, haiwa Abhusaromu, mwana wangu, mwana wangu!”
Shona 2009?
Mambo akavhunduka kwazvo, akakwira kukamuri yakanga iri pamusoro pesuo, akachema; akaramba achifamba, achiti, "Haiwa, mwana wangu Abhusaromu! Ndingadai ndakafa hangu panzvimbo yako, haiwa Abhusaromu, mwana wangu, mwana wangu! "
Shona SUB 2002 Bible
Mambo akavhunduka kwazvo, akakwira kukamuri yakanga iri pamusoro pesuwo, akachema; akaramba achifamba, achiti, “Haiwa, mwana wangu Abhusaromu! Ndingadai ndakafa hangu panzvimbo yako, haiwa Abhusaromu, mwana wangu, mwana wangu!”