2 Samuel 18:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo akati kwaʋari: Ndicaita seɀamunofuŋga. Mambo akandomira kurutiʋi rwesuʋo, ʋanhu ʋose ʋakaɓuɗa ʋaciita mazana‐mazana neɀuru‐ɀuru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo akati, “Ndichaita zvose zvamunoona zvakakunakirai.” Saka mambo akamira parutivi rwesuo pakanga pachifamba varume vose vachibuda namapoka amazana neezviuru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo akati kwavari, “Zvamunenge maona kuti ndizvo zvakanaka ndizvo zvandichaita.” Nokudaro mambo akamira padivi kusuwo guru, varwi vose vachibuda vari mazana mazana nezviuru zviuru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo akati kwavari, “Ndichaita sezvamunofunga.” Mambo akandomira kurutivi rwesuo vanhu vose vakabuda vachiita mazana mazana nezviuruzviuru.
Shona 2009?
Mambo akati kwavari, "Ndichaita sezvamunofunga." Mambo akandomira kurutivi rwesuo vanhu vose vakabuda vachiita mazana-mazana nezviuru-zviuru.
Shona SUB 2002 Bible
Mambo akati kwavari, “Ndichaita sezvamunofunga.” Mambo akandomira kurutivi rwesuwo vanhu vose vakabuda vachiita mazana mazana nezviuru–zviuru.