2 Samuel 18:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Absaromi akasoŋgana naʋaranda ʋaDavidi. Absaromi wakaŋga akataȿa hesera rake, hesera rikapinda napasi pamataʋi makobvu omuouki mukuru, musoro wake ukaɓatwa pamuouki, iye ndokurembera pakati peɗeŋga napasi; hesera raakaŋga akataȿa rikaramba ricifamba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino zvakaitika kuti Abhusaromu akasangana navanhu vaDhavhidhi. Akanga akatasva hesera rake, uye hesera parakapinda napasi pamatavi makobvu omuti mukuru womuouki, musoro waAbhusaromu wakabatwa mumuti. Akasiyiwa akarembera mudenga, hesera raakanga akatasva rikaramba richienda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Abhusharomu akaita mahwekwe navanhu vokwaDhavhidhi. Izvozvo Abhusharomu akanga akatasva nyurisi rake. Nyurusi rakasenerera napasi pamapazi makobvu ezimuoku, musoro wake wakabatirira zvakasimba kumuoku uyu. Akasara ongoti renga renga mumhepo nyurisi rati svorododo kupfuurira napasi pake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Abhusaromu akasangana navaranda vaDhavhidhi. Abhusaromu wakanga akatasva hesera rake, hesera rikapinda napasi pamatavi makobvu omuoki mukuru, musoro wake ukabatwa pamuoki, iye ndokurembera pakati pedenga napasi; hesera raakanga akatasva rikaramba richifamba.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible