2 Samuel 19:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mambo Davidi wakatuma nhume kunaZadoki naAbiatari ʋaprista, akati: Taurai kuʋakuru ʋaJuda, muti: Imi munononokireiko kudzosa mambo kumba kwake? Nokuti mambo wakanzwa kuti ʋaIsraeri ʋose ʋanotaura kuti adzoswe kumba kwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo Dhavhidhi akatuma shoko naZadhoki naAbhiatari, vaprista achiti, “Bvunzai vakuru veJudha kuti, ‘Seiko imi mava vokupedzisira kudzosa mambo kumuzinda wake, sezvo zvinotaurwa muIsraeri yose zvasvika pamba pake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo Dhavhidhi akatumira Zadhoki naAbhiatari vapristi shoko rokuti, “Taurirai vakuru vakuru vokwaJudha kuti madirei kuva ndimi vokupedzesera kuti mambo achidzokera zvake kumba kwake?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mambo Dhavhidhi wakatuma nhume kuna Zhadhoki naAbhiatari vapristi, akati, “Taurai kuvakuru vaJudha, muti, ‘Imi munononokireiko kudzosa mambo kumba kwake?’ Nokuti mambo wakanzwa kuti vaIsiraeri vose vanotaura kuti adzoswe kumba kwake.
Shona 2009?
Zvino mambo Dhavhidhi wakatuma nhume kuna Zhadhoki naAbhiatari vaprista, akati, "Taurai kuvakuru vaJudha, muti, 'Imi munononokereiko kudzosa mambo kumba kwake?' Nokuti mambo wakanzwa kuti vaIsiraeri vose vanotaura kuti adzoswe kumba kwake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mambo Dhavhidhi wakatuma nhume kuna Zhadhoki naAbhiatari vapristi, akati, “Taurai kuvakuru vaJudha, muti, ‘Imi munononokireiko kudzosa mambo kumba kwake?’ Nokuti mambo wakanzwa kuti VaIsiraeri vose vanotaura kuti adzoswe kumba kwake.