2 Samuel 19:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akarereʋudza mŋoyo yaʋanhu ʋose ʋaJuda somŋoyo womunhu mumŋe; naiɀoɀo ʋakatuma shoko kunamambo, ʋakati: Dzokai, imi naʋaranda ʋenyu ʋose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akabata mwoyo yavarume vose veJudha vakaita sokunge vaiva munhu mumwe. Vakatuma shoko kuna mambo vachiti, “Dzokai, imi navanhu venyu mose.” Ipapo mambo akadzoka akasvika paJorodhani.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vose vokwaJudha vakatorwa mwoyo nazvo vakaita mwoyo mumwechete vakatumira kuna mambo shoko rokuti chidzokai zvenyu kuno iyemi mose namakurukota enyu ose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akarereudza mwoyo yavanhu vose vaJudha somwoyo womunhu mumwe; naizvozvo vakatuma shoko kuna mambo, vakati, “Dzokai, imi navaranda venyu vose.”
Shona 2009?
Akarereudza moyo yavanhu vose vaJudha somoyo womunhu mumwe; naizvozvo vakatuma shoko kuna mambo, vakati, "Dzokai, imwi navaranda venyu vose."
Shona SUB 2002 Bible
Akarereudza mwoyo yavanhu vose vaJudha somwoyo womunhu mumwe; naizvozvo vakatuma shoko kuna mambo, vakati, “Dzokai, imi navaranda venyu vose.”