2 Samuel 19:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye waiʋa naʋarume ʋaBenjamini ʋanecuru cimŋe, naZiba, muranda weimba yaSauro, naʋanakomana ʋake ʋanegumi naʋashanu, naʋaranda ʋake ʋanamakumi maʋiri; iʋo ʋakayambuka Joridani pamberi pamambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akanga ane vaBhenjamini vaisvika chiuru, pamwe chete naZibha, mutariri weimba yaSauro, uye navanakomana vake gumi navashanu navaranda vake makumi maviri. Vakamhanyira kuJorodhani uko kwakanga kwava namambo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Shimei uyu aivawo pamwechete navarume chiuru chimwechete vokwaBhenjamini. Zibha muranda wokwaSauro pamwechete navanakomana vake gumi navashanu navaranda vake makumi maviri vakakurumidza kudzikawo kuna Jorodhani kuna mambo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye waiva navarume veBhenjamini vane chiuru chimwe, naZibha, muranda weimba yaSauro, navanakomana vake vane gumi navashanu, navaranda vake vana makumi maviri; ivo vakayambuka Jorodhani pamberi pamambo.
Shona 2009?
Iye waiva navarume veBhenjamini vane chiuru chimwe, naZibha, muranda weimba yaSauro, navanakomana vake vane gumi navashanu, navaranda vake vane makumi maviri; ivo vakayambuka Jorodhani pamberi pamambo.
Shona SUB 2002 Bible
Iye waiva navarume veBhenjamini vane chiuru chimwe, naZibha, muranda weimba yaSauro, navanakomana vake vane gumi navashanu, navaranda vake vana makumi maviri; ivo vakayambuka Jodhani pamberi pamambo.