2 Samuel 19:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Abishai mŋanakomana waZeruya, akapindura, akati: Shimei haafaniri here kuʋurawa pamsoro pecinhu ici, nokuti wakatuka muzodzwa waJehova?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Abhishai mwanakomana waZeruya akati, “Ko, Shimei haafaniri kuurayiwa nokuda kwaizvozvi here? Akatuka muzodziwa waJehovha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Abhishai mwanakomana waZeruya akapindura achiti, “Pamusana paizvozvo, Shimei haafanire kufa here zvaakatuka muzodzwa waTenzi?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Abhishai mwanakomana waZeruya, akapindura akati, “Shimei haafaniri here kuurawa pamusoro pechinhu ichi, nokuti wakatuka muzodzwa waJehovha?”
Shona 2009?
Asi Abhishai mwanakomana waZeruya, akapindura akati, "Shimei haafaniri here kuurawa pamusoro pechinhu ichi, nokuti wakatuka muzodzwa waJehovha?"
Shona SUB 2002 Bible
Asi Abhishai mwanakomana waZeruya, akapindura akati, “Shimei haafaniri here kuurayiwa pamusoro pechinhu ichi, nokuti wakatuka muzodzwa waJehovha?”